ƲaEfeso 4:26-31
ƲaEfeso 4:26-31 SUB1949
Tsamŋai, musiŋgatadzi; zuʋa ŋgarirege kuʋira mucakatsamŋa; musapa Diaborosi nɀimbo. Wakaɓa, ŋgaarege kuɓa ɀe; asi ɀirinani kuti atambudzike, aɓate namaʋoko ake ɓasa rakanaka, kuti aʋe necaaŋgapa unoshaiwa. Mumuromo menyu murege kuɓuɗa shoko rakaʋora, asi rakanaka, riŋgasimbisa pakafanira, riʋigire nyasha aʋo ʋanonzwa. Regai kucemedza Mŋeya Mutȿene waMŋari, wamakaisirwa cisimbiso maari kuȿikira pazuʋa rokudzikinurwa. Shuŋgu dzose, nokutsamŋa, nehasha, nokupopota, nokutuka, neɀakaipa ɀose, ŋgaɀibviswe kwamuri

