Raŋgarira ʋo Musiki wako pamazuʋa oʋujaya bgako, mazuʋa akaipa asati aȿika, namakore asati aʋa’po, paŋguʋa yaucazoti: Handifariri iɀoɀo; zuʋa neciedza, nomŋedzi, nenyeredzi ɀisati ɀaȿiɓiswa, makore acidzoka kana mvura yapfuʋura; zuʋa iro, kana ʋatariri ʋeimba ʋaciɗeɗera, ʋarume ʋanesimba ʋacikotama, ʋakuyi ʋacirega ɓasa raʋo, nokuti ʋaʋa ʋashoma; naʋanotarira napamawindi ʋaȿiɓirwa; mikoʋa icizarirwa inoɓuɗira kunzira dzomumusha, nenzwi rokukuya riciɗerera; kana acimuka nenzwi reshiri, naʋaimbi ʋose ʋasiŋganzwiki ɀakanaka. Ɀirokwaɀo ʋacatya ɀakakwirira, neɀinotyisa ɀicanzi ɀiri panzira; muamanda ucatumbuka maruʋa, nemhashu icaɀikwekweredza, ʋuye kuɗa kwose kucapera; nokuti munhu unoenda kumusha wake usiŋgaperi, ʋacemi ʋacafamba‐famba panzira dzomumusha; rwonzi rwesirveri rusati rwaɗamburwa, mbiya yendarama isati yaputswa, ciroŋgo cisati caputswa patsime, necicereso cinomonerwa cisati cavunikira pacituɓu, guruʋa risati radzokera kuvu, seɀarakaŋga rakaita; ʋuye mŋeya usati wadzokera kunaMŋari wakaupa. Ɀanzi noMuparidzi: Haɀinamaturo cose, ɀose haɀinamaturo!
Ɀino, Muparidzi ɀaakaŋga ari munhu wakacenjera, wakapfuʋura acidzidzisa ʋanhu ziʋo; wakaraŋgarira, nokunɀera, nokuroŋgedza ɀireʋo ɀizhinji. Muparidzi wakatȿaka kuti awane mashoko anofadza, ʋuye ɀakanyorwa nomŋoyo wakarurama, ari mashoko eɀokwaɗi.
Mashoko aʋakacenjera akafanana neɀiɓayiso; sembambo dzakaroʋerwa kwaɀo, ndiɀo ɀakaita mashoko akaʋuŋganidzwa, akapiwa noMufudzi mumŋe cete. Ʋuye ɀe, mŋanakomana waŋgu, unyeʋerwe; kuita buku zhinji hakuperi, ʋuye kudzidza kuzhinji kunonetsa muʋiri.
Ɀino shoko guru paɀose ɀatanzwa, heri: Itya Mŋari, uceŋgete mirairo yake; nokuti ndiɀo ɀakafanira ʋanhu ʋose. Nokuti Mŋari ucatoŋga ɓasa rimŋe nerimŋe, pamŋe cete neɀose ɀakaʋanzika, kunyaŋge ɀakanaka, kunyaŋge ɀakaipa.