Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Danieri 4:5-18

Danieri 4:5-18 SUB1949

Ndikaʋona kurota kwakandityisa, pfuŋgwa dzaŋgu panhoʋo dzaŋgu, neɀandakaratidzwa mumusoro maŋgu ɀikanditambudza. Naiɀoɀo ndakatema cireʋo kuti ʋacenjeri ʋose ʋeBabironi ʋaʋuyiswe pamberi paŋgu, kuti ʋandiziʋise kuɗudzirwa kwokurota. Ipapo ʋakacenjera neŋaŋga naʋaKardea naʋafemberi ʋakaʋuya, ndikaʋaʋudza kurota kwaŋgu, asi haʋana‐kundiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo. Asi pakupedzisira Danieri wakaʋuya pamberi paŋgu, iye unezita rinonzi Berteshazari, wakatumidzwa nezita ramŋari waŋgu, unomŋeya waʋamŋari ʋatȿene mukati make; ini ndikamuʋudza kurota kwaŋgu, ndiciti: Iwe Berteshazari, mukuru waʋakacenjera, ɀandinoziʋa kuti mŋeya waʋamŋari ʋatȿene uri mukati mako, ʋuye kuti hakune‐cakaʋanzika cinokutambudza, cindiʋudza ɀandakaʋona pakurota kwaŋgu nokuɗudzirwa kwaɀo. Ɀandakaʋona mumusoro maŋgu, ndiri panhoʋo dzaŋgu, ndiɀeɀi: Ndakatarira, ndikaʋona muti pakati penyika, kureɓa kwawo kwakaŋga kuri kukuru. Muti ukakura, ukasimba, kureɓa kwawo kukaȿika kuɗeŋga, ʋuye wakaŋga uciʋonekwa kuȿikira kumigumo yenyika yose. Mashizha awo akaŋga akanaka, neɀiɓereko ɀawo ɀakaŋga ɀiri ɀizhinji, ɀose ɀaiwana’po ɀokudya; mhuka dzesaŋgo dzakawana mumvuri pasi pawo, neshiri dzokuɗeŋga dzaigara mumataʋi awo, ʋuye ɀipenyu ɀose ɀaidya’po. Ndikaʋona paneɀandakaʋona mumusoro maŋgu ndiri panhoʋo dzaŋgu, ndikaʋona murindi, iye ari mutȿene, aciɓuruka kuɗeŋga. Akaɗanidzira, akati: Temai muti, raŋgurai mataʋi awo, pururai mashizha awo, paradzirai ɀiɓereko ɀawo; mhuka ŋgadzibve pasi pawo, neshiri pamataʋi awo. Asi siyai hunde yemidzi yawo muvu, wakasuŋgwa necisuŋgo ceɗare nendarira pakati peɓumhudza resaŋgo; ŋgaanyoroʋeswe neɗoʋa rokuɗeŋga, apiwe mugoʋe wake woʋuswa pamŋe cete nemhuka dzenyika; mŋoyo wake ŋgaushandurwe, urege kuʋa womunhu, apiwe mŋoyo wemhuka, ŋguʋa nomŋe dzipere ari’po. Kutoŋga uku kwaʋuya necireʋo caʋarindi, cinhu ici carebga neshoko raʋatȿene, kuti ʋapenyu ʋaziʋe kuti Wokumsoro‐soro unoɓata ʋushe pakati paʋanhu, unoʋupa waanoɗa, nokugadza paʋuri ʋaɗuku pakati paʋanhu. Ndiko kurota kwandakaʋona, ini mambo Nebukadnezari; ɀino iwe Berteshazari, cindiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo, ʋakacenjera ʋose ʋoʋushe bgaŋgu ɀaʋasiŋgagoni kundiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo; asi iwe unogona, nokuti mŋeya waʋamŋari ʋatȿene uri mukati mako.

Verenga chikamu Danieri 4