Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaKorose 1:21-29

ƲaKorose 1:21-29 SUB1949

Nemi ʋo, kare maiʋa ʋaeni naʋaʋeŋgi pakufuŋga kwenyu pamaɓasa enyu akaipa, asi ɀino wakakuyananisai pamuʋiri wenyama yake, nokufa kwake, kuti akuisei pamberi pake muri ʋatȿene, musinemhoȿa, musiŋgapomerwi, kana muciŋgorambira pakutenda, makateyiwa, mumire makasimba, musiŋgabviswi patariro yeEvaŋgeri yamakanzwa, yakaparidzirwa ɀisikwa ɀose pasi pokuɗeŋga; iyo Eʋaŋgeri yandakaitwa mushumiri wayo, ini Pauro. Ɀino ndinofara pakutambudzika kwaŋgu nokuɗa kwenyu, ndicizadzisa panyama yaŋgu ɀakasara pamaɗambudziko aKristu, nokuɗa kwomuʋiri wake, iyo kereke; iyo yandakaitwa mushumiri wayo seɀandakagoʋerwa naMŋari pamsoro penyu, kuti ndizadzise shoko raMŋari; ndico cakaʋanzika, cakaŋga cakafukidzwa kubvira pakutaŋga kweŋguʋa nendudzi, asi ɀino cakaratidzwa ʋatȿene ʋake; kunaiʋo Mŋari waakaɗa kuʋaziʋisa ʋufumi bgokubginya kwecakaʋanzika icoci pakati paʋahedeni, cokuti, Kristu mukati menyu, tariro yokubginya; iye watinoparidza isu, ticiraira munhu mumŋe nomumŋe, ticidzidzisa munhu mumŋe nomumŋe noʋucenjeri bgose, kuti tiise munhu mumŋe nomumŋe akakwana munaKristu; ndiɀo ɀandinoɓatira ʋo, ndicirwa, ɀiciitwa nokuɓata kwake kunoɓata mukati maŋgu nesimba.

Verenga chikamu ƲaKorose 1