Munenhamo imi munoshuʋa zuʋa raJehova! Zuʋa raJehova munoriɗa neiko? Ricaʋa rima, haciŋgaʋi ciedza. Ɀicaita somunhu unotiza shumba, ndokusoŋgana neɓere; kana sounopinda mumba, akaɓata pamadziro noruʋoko rwake, ndokurumŋa nenyoka. Ko zuʋa raJehova hariŋgaʋi rima, rikarega kuʋa ciedza here? Hariŋgati, Ɀi! kwaɀo, risino‐kupenya here? Ndinoʋeŋga nokuɀidza mitambo yenyu, handiŋgatoŋgofadzwi neʋuŋgano dzenyu dzakatarwa. Ɀirokwaɀo, kunyaŋge mukandiʋigira ɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa neɀipiriso ɀoʋupfu, handiŋgaɀigamuciri; handiŋgaʋi nehanya neɀipiriso ɀenyu ɀokuʋoŋga ɀeɀipfuwo ɀenyu ɀakakodzwa. Bvisai pamberi paŋgu ruzha rwenziyo dzenyu, nokuti handiɗi kunzwa kurira kwembira dzenyu. Asi kururamisa ŋgakuyerere semvura, ʋuye kururama sorwizi runoŋgoramba ruciɗira. Nhai imba yaIsraeri, makandiʋigira ɀiɓayiro neɀipo murenje makore anamakumi manna here? Ɀirokwaɀo, makatakura Sikuti mambo wenyu, neKijuni ɀifananidzo ɀenyu, iyo nyeredzi yamŋari wenyu, wamakaɀiitira. Naiɀoɀo ndicakutapisai mberi kweDamasko — ndiɀo ɀinotaura Jehova, unezita rinonzi Mŋari wehondo.
Verenga chikamu Amosi 5
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Amosi 5:18-27
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo