Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maɓasa Aʋaapostora 22:1-16

Maɓasa Aʋaapostora 22:1-16 SUB1949

Ʋarume, hama, namadziɓaɓa, inzwai kuɀiɗaʋirira kwaŋgu pamberi penyu ɀino. Iʋo ʋakati ʋacinzwa, kuti wotaura naʋo norurimi rweciHeberu, ʋakanyanya kunyarara. Iye akati: Ini ndiri muJuda, ndakaɓerekwa paTarso muKirikia, asi ndakarerwa muguta rino, pamakumbo aGamarieri, ndikadzidziswa netsika kwadzo dzomurairo wamadziɓaɓa eɗu, ndicishiŋgairira Mŋari, semi mose nhasi; ndikatambudza ʋeNzira iyi kuȿikira pakuʋuraya, ndicisuŋga ʋarume naʋakadzi nokuʋaisa mutoroŋgo, muprista mukuru seɀaaŋgandipupurira ʋo namakurukota ose; ndikapiwa ŋwadi naʋo kuhama, ndikaenda Damasko kuti ndiise Jerusarema aʋo ʋaigara’ko, ʋakasuŋgwa, kuti ʋarobge. Ɀino ndakati ndicifamba, ndosweɗera Damasko, aneŋge masikati, pakarepo ndikapenyerwa kwose neciedza cikuru, caibva kuɗeŋga. Ndikawira pasi, ndikanzwa inzwi riciti kwandiri: Sauro, Sauro, unonditambudzireiko? Ndikapindura, ndikati: Ndimi aniko Ishe? Akati kwandiri: Ndini Jesu weNazareta, waunotambudza. Ɀino ʋaiʋa neni ʋakaʋona ciedza, asi haʋanakunzwa inzwi rowakataura neni. Ndikati: Ndoɗiniko, Ishe? Ishe akati kwandiri: Simuka, uende Damasko; apo ucaʋudzwa ɀose ɀakatarwa kuti uɀiite. Ɀino ɀandakaŋga ndisiŋgagoni kuʋona nokupenya kweciedza ico, ndikasesedzwa noruʋoko naʋaiʋa neni, ndikaȿika Damasko. Ɀino mumŋe murume, wainzi Ananiasi, munhu wainamata Mŋari seɀinoreʋa murairo, waipupurirwa ɀakanaka naʋaJuda ʋose ʋakaŋga ʋagere’po, akaʋuya kwandiri, akamira, akati kwandiri: Sauro, hama, ciʋona! Neŋguʋa iyo ndikamuʋona. Iye akati: Mŋari wamadziɓaɓa eɗu wakakusanaŋgura, kuti uziʋe kuɗa kwake, nokumuʋona iye wakarurama, nokunzwa inzwi, rinobva mumuromo make. Nokuti iwe ucaʋa capupu cake kuʋanhu ʋose ceɀawakaʋona neɀawakanzwa. Ɀino ucanonokereiko? Simuka, ubapatidzwe, usukwe ɀiʋi ɀako, uɗane zita rake.