Akaȿika ʋo paDerbe neRistra. Ɀino ipapo paiʋa nomumŋe mudzidzi, wainzi Timotio, mŋanakomana womukadzi mutendi, waiʋa muJuda; asi ɓaɓa ʋake ʋaiʋa muGiriki. Iye waipupurirwa ɀakanaka nehama dzapaRistra neIkonio. Pauro akaɗa kuti aende naye, akamutora, akamudziŋgisa nokuɗa kwaʋaJuda ʋaiʋa kunɀimbo idzo; nokuti ʋose ʋakaŋga ʋaciziʋa kuti ɓaɓa ʋake muGiriki. Ʋakafamba namaguta, ʋakaʋapa ɀireʋo ɀakatemŋa naʋaapostora naʋakuru ʋapaJerusarema, kuti ʋaɀiceŋgete. Naiɀoɀo kereke dzakasimbiswa pakutenda, dzikawanda pakuʋereŋgwa kwadzo zuʋa rimŋe nerimŋe. Ʋakagura nenyika yeFrigia neyeGaratia, ʋambodziʋiswa noMŋeya Mutȿene kuparidza shoko paAsia. Ɀino ʋakati ʋaȿika pakatarisana neMisia, ʋakaidza kuenda Bitinia, asi Mŋeya waJesu haana‐kuʋatendera. Ʋakati ʋapfuʋura Misia, ʋakaɓurukira Troa. Ciratidzo cikaʋonekwa naPauro ʋusiku; murume weMakedonia wakaŋga amire, akakumbira ɀikuru kwaari, aciti: Yambukira Makedonia, utiɓatsire. Ɀino wakati aʋona ciratidzo, pakarepo tikatȿaka kuenda Makedonia, ticiti, Mŋari watiɗana kuti tindoʋaparidzira Evaŋgeri.
Verenga chikamu Maɓasa Aʋaapostora 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Maɓasa Aʋaapostora 16:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo