Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Maɓasa Aʋaapostora 11:9-30

Maɓasa Aʋaapostora 11:9-30 SUB1949

Asi inzwi rakapindura rwecipiri, ricibva kuɗeŋga, riciti: Ico cakanatswa naMŋari, iwe usati, hacina‐kunaka. Iɀoɀi ɀakaitwa katatu, ɀose ɀikakwidzwa ɀe kuɗeŋga. Ipapo, tarira, pakarepo ʋarume ʋatatu ʋamira pamberi peimba, matakaŋga tiri, ʋakaŋga ʋatumirwa kwandiri, ʋacibva Kesaria. Ipapo Mŋeya wakandiʋudza, kuti ndiende naʋo, ndisiŋganyunyuti. Nehama idzi nhanhatu ʋo dzakandiperekedza, tikapinda mumba momurume uyu. Iye akatiʋudza ʋo kuti wakaʋona mutumŋa amire mumba make, aciti: Tumira Jopa, uɗane Simoni, unonzi Petro; iye ucakuʋudza mashoko aucaponeswa nawo, iwe nemhuri yako yose. Ɀino ndakati ndicataŋga kutaura, Mŋeya Mutȿene akaɓuruka pamsoro paʋo, sapamsoro peɗu ʋo pakutaŋga. Ini ndikaraŋgarira shoko raShe, rokuti: Johane wakabapatidza nemvura, asi imi mucabapatidzwa muMŋeya Mutȿene. Ɀino kana Mŋari akaʋapa cipo ico caakatipa isu, pakutenda kweɗu kunaShe Jesu Kristu, ini ndaigoʋa ani, waigona kudziʋisa Mŋari? Ɀino ʋakati ʋanzwa iɀoɀo, ʋakanyarara, ʋakakudza Mŋari, ʋaciti: Ɀirokwaɀo, Mŋari wakapa ʋahedeni ʋo kutendeʋuka kwoʋupenyu. Ɀino aʋo ʋakaparadzirwa nokutambudzika kwakamuka pamsoro paStefano, ʋakaenda kuȿikira paFenikia, neKupro, neAntiokia, ʋasiŋgatauri shoko kumunhu, asi kunaʋaJuda ɓedzi Ɀino pakati paʋo paiʋa naʋamŋe ʋarume ʋeKupro neKurini; iʋo ʋakati ʋaȿika Antiokia, ʋakataura kuʋaGiriki ʋo, ʋaciparidza Ishe Jesu. Ruʋoko rwaShe rukaʋa naʋo, ʋazhinji ʋakatenda, ʋakatendeʋukira kunaShe. Mashoko aʋo akanzwika nekereke paJerusarema, ʋakatuma Barnabasi kuti aende Antiokia. Iye wakati aȿika, akaʋona nyasha dzaMŋari, akafara; akaraira ʋose kuti ʋanamatire Ishe nomŋoyo wakasimba; nokuti waiʋa murume wakanaka, azere noMŋeya Mutȿene nokutenda; ʋazhinji‐zhinji ʋakawedzerwa kunaShe. Iye akaenda Tarso acindotȿaka Sauro. Ɀino wakati amuwana, akaʋuya naye Antiokia. Ipapo ʋakaʋuŋgana nekereke gore rose, ʋakadzidzisa ʋanhu ʋazhinji‐zhinji; paAntiokia ʋadzidzi ʋakataŋga kunzi Ʋakristu. Namazuʋa iwayo ʋaprofita ʋakaɓuruka ʋacibva Jerusarema, ʋakaenda Antiokia. Mumŋe waʋo wainzi Agabo, akasimuka, ndokuʋaziʋisa noMŋeya kuti nzara huru icaʋa’po panyika yose; iyo ikaȿika paŋguʋa yaKraudio. Ipapo ʋadzidzi ʋakatenderana, kuti mumŋe nomumŋe paaigona napo atume ɀiŋgaɓatsira hama dzigere Judea. Ʋakaita kuɗaro, ʋakaɀitumira naBarnabasi naSauro kuʋakuru.