Ɀino iʋo, ʋakati ʋaʋuŋgana, ʋakamubvunza, ʋaciti: Ishe, modzosera ʋushe kunaʋaIsraeri neŋguʋa ino here? Akati kwaʋari: Haɀina‐kufanira kuti muziʋe ŋguʋa kana misi yakatarwa naƂaɓa ʋamene nesimba raʋo. Asi mucapiwa simba, kana Mŋeya Mutȿene waʋuya pamsoro penyu; ipapo mucaʋa ɀapupu ɀaŋgu paJerusarema, napaJudea rose, napaSamaria, nokuȿikira kumugumo wenyika. Ɀino wakati areʋa iɀoɀi, akakwidzwa, ʋacitaririra; gore rikamubvisa, ʋakasazomuʋona. Ɀino ʋacitarisisa kuɗeŋga, iye acikwira, tarira, ʋarume ʋaʋiri ʋamira naʋo ʋakafuka ŋguʋo cena; iʋo ʋakati: Imi ʋarume ʋeGarirea, makamirireiko makatarira kuɗeŋga? Uyu Jesu, wakabʋa kwamuri, akakwidzwa kuɗeŋga, ucaʋuya saiɀoɀo, seɀamamuʋona acienda kuɗeŋga.
Ɀino ʋakadzokera Jerusarema, ʋacibva pagomo rinonzi reMiorivi, riri pedyo neJerusarema, nhambo yorwendo rwesaɓata. Ʋakati ʋapinda, ʋakakwira muimba yaiʋa pamsoro, paʋakaŋga ʋagere, ʋaiti: Petro, naJohane, naJakobo, naAndrea, naFiripo, naTomasi, naBartoromeo, naMateo, naJakobo, mŋanakomana waArfeo, naSimoni Zeroti, naJudasi, mŋanakomana waJakobo. Aʋa ʋose ʋakatsuŋgirira nomŋoyo mumŋe pakunyeŋgetera, ʋanaʋakadzi, naMaria, mai ʋaJesu, naʋanuŋuna ʋake.