Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Timotio 3:1-15

II Timotio 3:1-15 SUB1949

Ɀino uziʋe cinhu ici, kuti namazuʋa okupedzisira ŋguʋa dzokutambudzika dzicaȿika. Nokuti ʋanhu ʋacaʋa ʋanoɀiɗa, ʋanoɗa mari, ʋanoɀirumbidza, ʋanoɀikudza, ʋanotuka, ʋasiŋgatereri ʋaɓereki, ʋasiŋgaʋoŋgi, ʋasati ʋari ʋatȿene, ʋasinoruɗo cairwo, ʋasiŋgaɗi kuyanana, ʋanocera ʋamŋe, ʋasiŋgaɀidzori, ʋanehasha, ʋasiŋgaɗi ɀinhu ɀakanaka, ʋanonyeŋgera, ʋasiŋgaraŋgariri, ʋanoita manyawi, ʋanoɗa ɀinofadza ɀenyika kupfuʋura Mŋari; ʋanomufananidzo ɓedzi wokunamata Mŋari, asi ʋakarasha simba rako; ufuratire ʋanhu iʋaʋa ʋo. Nokuti pakati paʋo ʋari’po ʋanopinda mudzimba ʋaciʋereʋedza, ʋacitapa ɀikadzi ɀakaremedzwa neɀiʋi, ɀinokwebga nokuciʋa kuzhinji, ɀinoŋgogara ɀicidzidza, asi haɀitoŋgogoni kuȿika pakuziʋa ɀokwaɗi. Jane naJambre seɀaʋakadziʋisa Mosesi, saiɀoɀo iʋo ʋanodziʋisa ɀokwaɗi, ʋari ʋanhu ʋanendaŋgariro dzakaʋodzwa, ʋakarashika pakutenda. Asi haʋacapfuʋuriri mberi, nokuti ʋupenzi bgaʋo bgucaʋonekwa naʋose, seɀakazoita bgaʋo. Asi iwe wakateʋera kudzidzisa kwaŋgu, nomufambire, nokufuŋga, nokutenda, nomŋoyo murefu, noruɗo, nokutsuŋgirira, namaɗambudziko, nenhamo, iɀo ɀakandiwira paAntiokia, napaIkonio, napaRistra; maɗambudziko makuru sei andakanzwa; paɀinhu iɀoɀo ɀose Ishe wakandisunuŋgura. Ɀino, naʋose ʋanoɗa kunamata Mŋari munaKristu Jesu ʋacatambudzwa. Asi ʋanhu ʋakaipa naʋanyeŋgeri ʋacanyanyisa pakuipa, ʋacitsausa ʋamŋe nokutsauswa iʋo. Asi iwe, rambira paneɀawakadzidza neɀawakatendiswa, uziʋe kuti wakaɀidzidza kunani, kuti kubvira paʋucece bgako wakaziʋa Manyoro Matȿene anogona kukupa ʋucenjeri bgunoisa kukuponeswa nokutenda kuri munaKristu Jesu.