Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Timotio 1:8-18

II Timotio 1:8-18 SUB1949

Naiɀoɀo usanyadziswa nokupupurira Ishe weɗu, kana ini, musuŋgwa wake, asi utambudzike pamŋe cete neni nokuɗa kweEvaŋgeri nesimba raMŋari, wakatiponesa, akatiɗana nokuɗana kutȿene, ɀisiŋgabvi pamaɓasa eɗu, asi nokufuŋga kwake, nenyasha dzaakatiitira munaKristu Jesu ŋguʋa dzisati dzaʋa’po, asi kwakaratidzwa ɀino nokuʋonekwa kwoMuponesi weɗu, Kristu Jesu, iye wakaparadza rufu, akaɓuɗisa pacena ʋupenyu nokusaʋora nenzira yeEvaŋgeri, yandakaitwa muparidzi, nomuapostora, nomudzidzisi wayo. Nemhaka iyi ndinotambudzika ʋo neɀinhu iɀi, asi handinyadziswi, nokuti ndinoziʋa wandakatenda, ndinoziʋa kwaɀo kuti unogona kuceŋgeta candakamupa kuȿikira zuʋa irero. Ƃatisisa ɀawakaratidzwa ɀamashoko akarurama, iɀo ɀawakanzwa kwandiri mukutenda noruɗo ruri munaKristu Jesu. Ico cakanaka, cawakapiwa, uciceŋgete noMŋeya Mutȿene unogara matiri Unoɀiziʋa hako kuti ʋose ʋari paAsia ʋakandifuratira; pakati paʋo panaFigero naHermogene. Ishe ŋgaaitire imba yaOnesiforo ŋgoni, nokuti kazhinji wakandisimbisa, asiŋganyadziswi neketani yaŋgu. Asi wakati aȿika Roma, akanditȿaka ɀikuru, akandiwana. (Ishe ŋgaamuitire cinhu ici kuti awane ŋgoni kunaShe nezuʋa irero); newe unoziʋa kwaɀo ʋukuru bgokushumira kwake paEfeso.