Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II ƲaTesaronika 3:1-18

II ƲaTesaronika 3:1-18 SUB1949

Pakupedzisira, hama dzaŋgu, mutinyeŋgeterere, kuti shoko raShe ripfuʋure, rikudzwe, seɀaɀinoitwa kwenyu ʋo; ʋuye, kuti tisunuŋgurwe kuʋanhu ʋasakarurama, ʋakaipa; nokuti haʋazi ʋose ʋanotenda. Asi Ishe ndiye wakatendeka, ucakusimbisai, nokukuceŋgetai kunowakaipa. Tinokutendai munaShe, kuti munoita, ʋuye mucaramba muciita, iɀo ɀatinokurairai. Ishe ŋgaaruramise mŋoyo yenyu muruɗo rwaMŋari, nomukutsuŋgirira kwaKristu. Ɀino, hama dzaŋgu, tinokurairai nezita raShe weɗu Jesu Kristu, kuti mubve pahama imŋe neimŋe isiŋgafambi netsika dzakafanira, isiŋgatereri mirairo yamakapiwa nesu; nokuti imi munoziʋa mumene, kuti munofanira kutiteʋera isu, nokuti hatina‐kufamba netsika dzisakafanira pakati penyu; hatina‐kutoŋgodya ɀokudya ɀomunhu tisiŋgaripi, asi takaɓate‐ɓasa ʋusiku namasikati, ticitambudzika nokushiŋgaira, kuti tirege kuremedza mumŋe wenyu; hakuzi kuti hatinesimba, asi kuti tikutuŋgamirirei, mutiteʋere. Nokuti, neŋguʋa yataiʋa kwamuri, takakurairai iɀoɀo, kuti kana munhu aciramba kuɓate‐ɓasa, ŋgaarege kudya ʋo. Nokuti tinonzwa kuti ʋamŋe pakati penyu haʋafambi netsika dzakafanira, ʋasina‐caʋanoɓata, ʋasiŋgaregi ɀaʋamŋe. Ʋanhu ʋakaɗaro tinoʋaraira nokukumbira kwaʋari munaShe Jesu Kristu, kuti ʋaɓate nokunyarara, ʋadye ɀokudya ɀaʋo ɀimene. Asi imi, hama dzaŋgu, musaneta pakuita ɀakanaka. Kana panomunhu usiŋgatereri shoko reɗu reŋwadi iyi, mutarisise munhu uyo, kuti murege kufambidzana naye, anyadzwe. Regai henyu kumuidza muʋeŋgi, asi mumuraire sehama. Ɀino, Ishe worugare amene ŋgaakupei rugare misi yose nemitoʋo yose. Ishe ŋgaaʋe nemi mose. Ndiko kukwazisa kwaŋgu, ini Pauro, noruʋoko rwaŋgu, ndico ciratidzo paŋwadi dzose; ndinonyora kuɗai. Nyasha dzaShe weɗu Jesu Kristu ŋgadziʋe nemi mose.