II Makoronike 20:1-15
II Makoronike 20:1-15 SUB1949
Shure kwaiɀoɀo ʋana ʋaMoabi, naʋana ʋaAmoni, naʋamŋe ʋaʋaAmoni pamŋe cete naʋo, ʋakaȿika kuzorwa naJehoshafati. Ipapo ʋamŋe ʋakaȿika, ʋakaʋudza Jehoshafati, ʋaciti: Ʋanhu ʋazhinji ʋanoʋuya, ʋacibva Siria mhiri kweguŋgwa, kuzorwa nemi; tarirai, ʋari paHazazoni‐tamari (ndiro Enigedi). Ipapo Jehoshafati akatya, akashiŋgaira kundobvunza Jehova; akatara zuʋa rokuɀinyima ɀokudya panyika yose yaʋaJuda. ƲaJuda ʋakaʋuŋgana kuzotȿaka ɓetsero kunaJehova; ʋakabva kumaguta ose aJuda kuzotȿaka Jehova. Jehoshafati akasimuka paʋuŋgano yaʋaJuda naʋanhu ʋeJerusarema, mumba maJehova, pamberi poruʋazhe rutȿa; akati: Haiwa, Jehova Mŋari wamadziɓaɓa eɗu, imi hamuzi Mŋari uri kuɗeŋga here? Imi hamuzi muɓati woʋushe bgose bgendudzi here? Paruʋoko rwenyu panesimba noʋushe, naiɀoɀo hapanomunhu uŋgakudziʋisai. Imi Mŋari weɗu, hamuna‐kudziŋga here ʋaigara panyika ino pamberi paʋanhu ʋenyu ʋaIsraeri, mukaipa ʋana ʋaAbrahama shamŋari yenyu nokusiŋgaperi? Ʋakagara’mo, ʋakakuʋakirai’mo imba tȿene yezita renyu, ʋaciti: Kana tikawirwa neɀakaipa, kana munondo wokutoŋga, kana ɗenda, kana nzara, ticamira pamberi peimba ino napamberi penyu, (nokuti zita renyu riri muimba ino), tigocema kwamuri tiri pakutambudzika kweɗu; ipapo mucatinzwa nokutirwira. Ɀino tarirai ʋana ʋaAmoni naʋaMoabi naʋapagomo reSeiri, ʋamusina‐kutendera ʋaIsraeri kupinda pakati paʋo ŋguʋa yaʋakabva panyika yeEgipita, asi ʋakaʋarega, ʋakasaʋaparadza; tarirai ʋotitsiʋa, ʋaciʋuya kuzotidziŋga panyika yenyu, yamakatipa iʋe nhaka yeɗu. Haiwa, Mŋari weɗu, hamuŋgaʋatoŋgi here? Nokuti hatinesimba rokurwa naʋazhinji aʋa ʋanoʋuya kuzorwa nesu; hatiziʋi catiŋgaita, asi meso eɗu akatarira kwamuri. Ipapo ʋaJuda ʋose ʋakamira pamberi paJehova, pamŋe cete nepxere dzaʋo, naʋakadzi ʋaʋo, naʋana ʋaʋo. Mŋeya waJehova ukaʋuya pamsoro paJahazieri, mŋanakomana waZekaria, mŋanakomana waBenaya, mŋanakomana waJeieri, mŋanakomana waMatanya, muRevi, waʋanakomana ʋaAsafi, pakati peʋuŋgano; iye akati: Tererai, imi ʋaJuda mose, nemi mugere paJerusarema, nemi mambo Jehoshafati; ɀanzi naJehova kwamuri: Musatya, kana kuvunduka nokuɗa kwaʋanhu aʋa ʋazhinji; nokuti kurwa hakuzi kwenyu, asi ndokwaMŋari.

