Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Makoronike 1:1-17

II Makoronike 1:1-17 SUB1949

Ɀino Soromoni mŋanakomana waDavidi wakasimbiswa paʋushe bgake, Jehova Mŋari wake akaʋa naye, akamukurisa ɀikuru kwaɀo. Ɀino Soromoni akataura naʋaIsraeri ʋose, naʋakuru ʋeɀuru naʋamazana, naʋatoŋgi, namacinda ose pakati paIsraeri ʋose, iʋo ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa. Ipapo Soromoni neʋuŋgano yose pamŋe cete naye ʋakaenda kuɗunhu rakakwirira raiʋa paGibeoni; nokuti ndipo pakaŋga panetente rokusoŋgana raMŋari, rakaŋga raʋakwa murenje naMosesi muranda waJehova. Asi Davidi wakaŋga atora areka yaMŋari paKiriati‐jearimi, akaiisa panɀimbo, Davidi yaakaŋga aigadzirira; nokuti wakaŋga aidzikira tente paJerusarema. Neareka yendarira yakaŋga yaʋumbga naBezareri mŋanakomana waUri, mŋanakomana waHuri, yakaŋga iri’po pamberi petabernakeri yaJehova; Soromoni neʋuŋgano yose ʋakairaŋgarira. Soromoni akakwira’ko pamberi paJehova kuartari yendarira, yakaŋga iri patente rokusoŋgana, akaɓayira pamsoro payo ɀipiriso ɀinopiswa ɀinecuru cezana. Ɀino noʋusiku ubgo Mŋari akaɀiratidza kunaSoromoni, akati kwaari: Kumbira caunoɗa kuti ndikupe. Soromoni akati kunaMŋari: Makaitira ɓaɓa ʋaŋgu Davidi tsitsi huru, mukandiita ini mambo panɀimbo yaʋo. Ɀino Jehova Mŋari, shoko ramakapikira Davidi ɓaɓa ʋaŋgu ŋgarisimbiswe; nokuti makandiita mambo waʋanhu ʋakafanana neguruʋa renyika pakuwanda kwaʋo. Ɀino ndipei henyu njere nokuziʋa, kuti ndiɓuɗe nokupinda pamberi paʋanhu aʋa; nokuti ndiani uŋgagona kutoŋga ʋanhu ʋenyu aʋa ʋakawanda ʋakaɗai? Mŋari akati kunaSoromoni: Ɀawaraŋgarira cinhu ici mumŋoyo mako, ukasakumbira fuma, neɀakawanda, kana kukudzwa, kana kufa kwaʋaʋeŋgi ʋako, kana kukumbira ʋupenyu ʋurefu, asi wakaɀikumbirira njere nokuziʋa, kuti ugone kutoŋga ʋanhu ʋaŋgu, ʋandakakuita mambo waʋo; ɀino njere nokuziʋa unoɀipiwa iwe; ʋuye ndicakupa fuma, neɀakawanda, nokukudzwa, ɀisina‐kumbopiwa mumŋe wamadziɓaɓa akakutaŋgira; ʋuye hapanomumŋe ucakuteʋera ucaʋa neɀakaɗai. Ɀino Soromoni akabva panɀimba yakakwirira yakaŋga iri paGibeoni, pamberi petente rokusoŋgana, akaȿika Jerusarema, akaɓata ʋushe bgaIsraeri. Soromoni akaʋuŋganidza ŋgoro naʋataȿi ʋamabiza; wakaŋga aneŋgoro dzinecuru cimŋe namazana manna, naʋataȿi ʋamabiza ʋaneɀuru ɀinegumi neɀiʋiri, ʋaakaisa mumaguta eŋgoro nokunamambo paJerusarema. Mambo akaʋuŋganidza sirveri nendarama paJerusarema ɀikawanda ɀikaita samabge, nemisidari ikaita semiʋonde yaiʋa pamapani. Mabiza aSoromoni aaiʋa nawo, aibva Egipita; ʋateŋgesi ʋamambo ʋaindoatora’ko ʋaciita mapoka‐mapoka, ɓoka rimŋe nerimŋe rinomuteŋgo waro. Ʋakandoɀitora Egipita, ʋakaʋuya naɀo, ŋgoro imŋe neimŋe iciteŋgwa namashekeri esirveri anamazana matanhatu, nebiza rimŋe nerimŋe namashekeri anezana namakumi mashanu; saiɀoɀo ʋo madzimambo ose aʋaHiti, namadzimambo aʋaSiria aiʋigirwa iɀoɀo naʋo.