Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Samueri 19:1-17

I Samueri 19:1-17 SUB1949

Ɀino Sauro akataura naJonatani mŋanakomana wake, naʋaranda ʋake ʋose, kuti ʋaʋuraye Davidi. Asi Jonatani mŋanakomana waSauro, wakaŋga acifarira Davidi kwaɀo. Naiɀoɀo Jonatani akaʋudza Davidi, akati: Sauro, ɓaɓa ʋaŋgu, ʋanotȿaka kukuʋuraya; naiɀoɀo ɀino, cenjera kwaɀo maŋgwana, ugare pakaʋanda, uʋande; ini ndicaɓuɗa, ndicandomira kunaɓaɓa ʋaŋgu mumunda, mauri, nditaurirane naɓaɓa ʋaŋgu pamsoro pako; kana ndiciŋge ndikaʋona cinhu, ndicakuʋudza. Ipapo Jonatani akareʋerera Davidi ɀakanaka kunaSauro ɓaɓa ʋake, akati kwaʋari: Mambo ŋgaarege kutadzira Davidi muranda wake, nokuti iye haana‐kukutadzirai imi, asi wakakuitirai ɀakanaka kwaɀo; nokuti wakaɓata ʋupenyu bgake mumaʋoko ake, akaʋuraya muFiristia; Jehova akakundisa ʋaIsraeri nokukunda kukuru; imi makaɀiʋona, mukafara; naiɀoɀo mucatadzireiko ropa risinemhoȿa, mukaʋuraya Davidi asinemhaka hake? Sauro akaterera inzwi raJonatani, Sauro akapika, akati: NaJehova mupenyu, haaŋgaʋurawi! Ɀino Jonatani akaɗana Davidi, Jonatani akamuziʋisa ɀinhu iɀo ɀose. Jonatani akaenda naDavidi kunaSauro, akagara pamberi pake sapakutaŋga. Ɀino kurwa kukaʋa’po ɀe, Davidi akaɓuɗa kundorwa naʋaFiristia, akaʋaʋuraya nokuʋuraya kukuru, ʋakatiza pamberi pake. Mŋeya wakaipa, wakaŋga watumŋa naJehova, ukaʋuya pamsoro paSauro, agere mumba make anepfumo rake muruʋoko rwake; Davidi akaridza noruʋoko rwake. Sauro akaidza kuɓayira Davidi pamadziro nepfumo; Davidi akatiza, akapukunyuka ʋusiku ubgo. Ipapo Sauro akatuma nhume kumba kwaDavidi kumurinda nokumuʋuraya maŋgwanani; Mikari mukadzi waDavidi, akamuʋudza, akati: Kana ukasaponesa ʋupenyu bgako ʋusiku bguno, ucaʋurawa maŋgwana. Naiɀoɀo Mikari akaɓurusa Davidi pasi napawindi; akaenda, akatiza, akapukunyuka. Mikari akatora terafimi, akairadzika panhoʋo, akaisa mutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo, akaifukidza nejira. Ɀino Sauro wakati acituma nhume kuzoɓata Davidi, iye akati: Unorwara. Ipapo Sauro akatuma nhume kuzotarira Davidi, akati: Ʋuyai naye kwandiri ari panhoʋo, ndimuʋuraye. Ɀino nhume dzakati dzicipinda, dzikaʋona terafimi iri panhoʋo nomutsamiro wemvere dzembudzi pamusoro wayo. Sauro akati kunaMikari: Wandinyeŋgereiko kuɗai, ukarega muʋeŋgi waŋgu acienda, akapukunyuka? Mikari akapindura Sauro, aciti: Iye wakati kwandiri: Ndirege, ndiende; ndicakuʋurayireiko?