Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Samueri 10:1-16

I Samueri 10:1-16 SUB1949

Ɀino Samueri akatora cinu camafuta, akaaɗurura pamusoro wake, akamuȿeta, akati: Jehova haana‐kukuzodza here kuti uʋe mutuŋgamiriri waʋanhu ʋenhaka yake? Kana ukabva kwandiri nhasi, ucandowana ʋarume ʋaʋiri parinda raRakeri, pamuganho waBenjamini, paZerza; iʋo ʋacati kwauri: Mboŋgoro dzawakaŋga ucitȿaka dzawanikwa; ɀino tarira, ɓaɓa ʋako haʋacinehanya nemboŋgoro, asi ʋofuŋganya pamsoro pako, ʋaciti: Ndicaita seiko pamsoro pomŋanakomana waŋgu? Ɀino ucabva’po ukapfuʋura mberi, ukaȿika pamuouki weTabori; ipapo ucasoŋgana naʋarume ʋatatu ʋanokwira kunaMŋari paBeti‐eri, mumŋe akatakura mbudzana nhatu, mumŋe akatakura mapundu matatu eɀiŋgwa, ʋuye mumŋe akatakura ɗende rewaini; iʋo ʋacakukwazisa, ndokukupa mapundu maʋiri eɀiŋgwa; ugamucire iɀoɀo pamaʋoko aʋo. Pashure ucaȿika pagomo raMŋari, paneɓoka raʋarwi raʋaFiristia; ɀino kana uciȿika paguta, ucasoŋgana neɓoka raʋaprofita ʋanoɓuruka paɗunhu rakakwirira ʋakatuŋgamirirwa nemiteŋgeranwa, neŋgoma, nenyere, nembira, ʋaciŋgoprofita; ipapo Mŋeya waJehova ucaʋuya pamsoro pako nesimba, ukaprofita pamŋe cete naʋo, ukashanduka ukaʋa mumŋe munhu. Ɀino kana ɀiratidzo iɀi ɀikaʋonekwa newe, uite cinhu cipi necipi caunoratidzwa kuti uciite, nokuti Mŋari unewe. Ɀino undituŋgamirire Girgari; tarira, ini ndicaɓurukira kwauri, kuti ndiɓayire ɀipiriso ɀinopiswa neɀipiriso ɀokuyananisa; unofanira kundimirira mazuʋa manomŋe, kuȿikira ndaʋuya kwauri, ndikuratidze ɀaunofanira kuita. Ɀino wakati atendeʋuka, obva kunaSamueri, Mŋari akamupa mumŋe mŋoyo; ɀiratidzo iɀo ɀose ɀikaitika nomusi iwoyo. Ʋakati ʋaciȿika pagomo, ɓoka raʋaprofita rikasoŋgana naye; Mŋeya waMŋari akaʋuya pamsoro pake nesimba, akaprofita pakati paʋo. Ɀino ʋose ʋaimuziʋa kare ʋakati ʋaciʋona iɀoɀo, kuti woprofita pamŋe cete naʋo, ʋanhu ʋakataurirana, ʋakati: Cinyiko cawira mŋanakomana waKishi? Sauro waʋa pakati paʋaprofita ʋo here? Ɀino mumŋe wa’po akapindura, akati: Ƃaɓa ʋaʋo ndianiko? Naiɀoɀo yakazoʋa shumo kuti: Ko Sauro waʋa pakati paʋaprofita here? Akati apedza kuprofita, akaȿika paɗunhu rakakwirira. Ƃaɓamunini ʋaSauro ʋakati kwaari, nokumuranda wake: Makaŋga maendepiko? Akati: Kundotȿaka mboŋgoro, asi takati ticiʋona kuti hadziwanikwi, tikaenda kunaSamueri. Ƃaɓamunini ʋaSauro ʋakati: Ƌondiʋudza ʋo ɀamakaʋudzwa naSamueri. Ipapo Sauro akati kunaɓaɓamunini ʋake: Wakatiʋudza pacena, kuti mboŋgoro dzatowanikwa hadzo. Asi haana‐kumuʋudza shoko roʋushe rakaŋga rataurwa naSamueri.