I Petro 1:6-25
I Petro 1:6-25 SUB1949
Iyo yamunofarira ɀikuru, kunyaŋge ɀino, kana ɀicifanira, mucicemedzwa ŋguʋa ɗuku nemiidzo mizhinji; kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunokosha ɀikuru kupfuʋura ndarama inopera hayo, kunyaŋge inoidzwa nomŋoto, kuwanikwe kuciɓereka kurumbidzwa, nokubginya, nokukudzwa pakuʋonekwa kwaJesu Kristu; iye wamunoɗa, kunyaŋge musina‐kumuʋona; iye wamunotenda kwaari, kunyaŋge musiŋgamuʋoni ɀino, mucifara ɀikuru nomufaro usiŋgagoni kutaurwa, uzere nokubginya; mucipiwa cinoʋaʋarirwa nokutenda kwenyu, ndirwo ruponeso rwemŋeya yenyu. Ruponeso urwu rwakabvunzisiswa nokunɀerwa kwaɀo naʋaprofita, ʋakaprofita ɀenyasha dzamaizoitirwa imi, ʋacinɀera kuti ŋguʋa ndeipi, kana yakaɗini, yakataurwa noMŋeya waKristu, wakaŋga uri mukati maʋo, ŋguʋa yaakapupura kare ɀokutambudzika kwaKristu, nokubginya kunozoteʋera iɀoɀo. Aʋo, ʋakaratidzwa kuti ʋakaŋga ʋasiŋgaɀiɓatiri iʋo, asi imi, paɀinhu iɀo ɀamakataurirwa ɀino naiʋo ʋakakuparidzirai Evaŋgeri noMŋeya Mutȿene wakatumŋa acibva kuɗeŋga; ɀinhu iɀo ʋatumŋa ʋanoɗa kuɀicerekedza. Saka ɀisuŋgei ɀiʋuno ɀendaŋgariro dzenyu, muȿinure, mutarire nomŋoyo wose kunyasha dzamucazopiwa pakuʋonekwa kwaJesu Kristu; muʋe saʋana ʋanoterera, musiŋgaenzanisi mufambire wenyu nokuciʋa kwakare pakusaziʋa kwenyu; asi saiye mutȿene wakakuɗanai, nemi ʋo mumene muʋe ʋatȿene pamufambire wenyu wose; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Iʋai ʋatȿene, nokuti ini ndiri mutȿene. Ɀino kana mucimuidza Ƃaɓa, iye unotoŋga acitarira ɀakaitwa nomumŋe nomumŋe asiŋgatariri ɀinoʋonekwa ɀomunhu, garai paŋguʋa yoʋutorwa bgenyu mucitya; muciziʋa kuti hamuna‐kudzikinurwa neɀinoʋora, nesirveri kana ndarama, pamufambire wenyu usinamaturo, wamakasiyirwa namadziɓaɓa enyu; asi neropa raKristu, seregwaiana risina‐cariŋgapomerwa, risinoruʋara; iye wakazikanwa kare, nyika isati yaʋambga, asi wakaratidzwa pakuguma kweŋguʋa nokuɗa kwenyu, imi, munotenda naye kunaMŋari, wakamumutsa kuʋakafa, akamupa kubginya; kuti kutenda kwenyu netariro yenyu ɀiʋe kunaMŋari. Ɀamakanatsa mŋeya yenyu muciterera ɀokwaɗi, kuti muɗe hama nokusanyeŋgera, munofanira kuɗana ɀikuru nomŋoyo wose; nokuti makaɓerekwa kutȿa, ɀisiŋgabvi pambeu inoʋora, asi paneisiŋgaʋori, neshoko raMŋari ɓenyu rinogara nokusiŋgaperi. Nokuti, Nyama yose yakaita soʋuswa, Nokunaka kwose seruʋa roʋuswa. Ʋuswa bgunoȿaʋa, neruʋa rinowira pasi; Asi shoko raShe rinogara nokusiŋgaperi. Ndireri shoko romufaro ramakaparidzirwa.

