Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Madzimambo 1:1-15

I Madzimambo 1:1-15 SUB1949

Ɀino mambo Davidi wakaŋga akwegura, aʋa namakore mazhinji; ʋakamufukidza namacira, asi haana‐kudziyirwa. Naiɀoɀo ʋaranda ʋake ʋakati kwaari: Ishe waŋgu mambo ŋgaatȿakirwe mhandara, iye amire pamberi pamambo, aʋaceŋgete, aʋate pacifuʋa cenyu, kuti ishe waŋgu mambo ʋadziyirwe. Ipapo ʋakatȿaka musikana wakanaka panyika yose yaIsraeri, ʋakawana Abishagi muShunami, ʋakamuisa kunamambo. Uyu musikana wakaŋga akanaka kwaɀo, akaceŋgeta mambo, akamushandira, asi mambo haana‐kupinda kwaari. Ɀino Adonia mŋanakomana waHagiti wakaɀikudza, akati: Ini ndicaʋa mambo; akaɀigadzirira ŋgoro naʋataȿi ʋamabiza, naʋarume ʋanamakumi mashanu kuzomhanya pamberi pake. Asi ɓaɓa ʋake ʋakaŋga ʋasina‐kutoŋgomuraira paʋupenyu bgake bgose, ʋaciti: Unoitireiko kuɗaro? Wakaŋga ari murume wakanaka kwaɀo pamuʋiri wake; wakaŋga aciteʋera Absaromi pakuɀarwa kwake. Akaraŋgana naJoabi, mŋanakomana waZeruya, naAbiatari muprista, iʋo ʋakateʋera Adonia, ʋakamuɓatsira. Asi Zadoki muprista, naBenaya mŋanakomana waJehoyada, naNatani muprofita, naShimei, naRei, nemhare dzakaŋga dzinaDavidi, haʋana‐kuteʋera Adonia. Adonia akaɓaya makwai nenzombe, nemhuru dzakakora, pabge reZohereti, raiʋa paEni‐rogeri, akaɗana hama dzake dzose iʋo ʋanakomana ʋamambo, naʋarume ʋose ʋaJuda, ʋaranda ʋamambo; asi haana‐kuɗana Natani muprofita, naBenaya, nemhare, naSoromoni munuŋuna wake. Ipapo Natani akataura naBati‐sheba mai ʋaSoromoni, akati: Hauna‐kunzwa here kuti Adonia mŋanakomana waHagiti, woɓata ʋushe, asi Davidi ishe weɗu haaɀiziʋi? Naiɀoɀo ɀino ʋuya ndikupe zano, kuti urwire ʋupenyu bgako, noʋupenyu bgomŋanakomana wako Soromoni. Enda upinde kunamambo Davidi, uti kwaari: Ishe waŋgu mambo, hamunakupikira murandakadzi wenyu here, mukati: Ɀirokwaɀo, Soromoni mŋanakomana wako, ndiye ucanditeʋera paʋushe, iye ucagara pacigaro caŋgu coʋushe? Ɀino Adonia unoɓatireiko ʋushe? Ɀino tarira, iwe uciri pakutaura namambo, ini ndicapinda ʋo shure kwako, ndicisimbisa mashoko ako. Bati‐sheba akapinda kunamambo mumba; ɀino mambo wakaŋga akwegura kwaɀo, Abishagi muShunemi waishandira mambo.