Ʋaɗikanwa, kana mŋoyo usiŋgatipi mhaka, tinako kusatya pamberi paMŋari; ʋuye ɀose ɀatinokumbira tinopiwa naye, nokuti tinoceŋgeta mirairo yake, ticiita ɀinomufadza. Ndiwo murairo wake, kuti titende kuzita roMŋanakomana wake, Jesu Kristu, ʋuye tiɗane, seɀaakatiraira. Unoceŋgeta mirairo yake, unogara maari, naiye maari. Ndiɀo ɀatinoziʋa naɀo kuti unogara matiri, noMŋeya waakatipa.
Verenga chikamu I Johane 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: I Johane 3:21-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo