Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

I Johane 2:1-12

I Johane 2:1-12 SUB1949

Ʋana ʋangu ʋaɗuku, ndinokunyorerai ɀinhu iɀi, kuti, murege kutadza. Kana munhu acitadza, tinoMureʋereri kunaƂaɓa, iye Jesu Kristu wakarurama; ndiye mudzikinuri weɀiʋi ɀeɗu; haazi weɀiʋi ɀeɗu ɓedzi, asi weɀiʋi ɀenyika yose ʋo. Ndiɀo ɀinotiziʋisa kuti tinomuziʋa, kana ticiceŋgeta mirairo yake. Uyo, unoti, ndinomuziʋa, asiŋgaceŋgeti mirairo yake, mureʋi wenhema, ɀokwaɗi haizi maari; asi uyo, unoceŋgeta shoko rake, ruɗo rwaMŋari rwakwaniswa maari ɀirokwaɀo. Ndiɀo ɀinotiziʋisa kuti tiri maari; uyo, unoti, ndinogara maari, unofanira kufamba ʋo seɀaakafamba iye. Ʋaɗikanwa, handikunyoreriyi murairo mutȿa, asi murairo wekare, wamakaŋga munawo kubva pakutaŋga; murairo wekare ndiro shoko ramakanzwa. Pamŋe ɀe ndinokunyorerai murairo mutȿa, ciri cinhu caɀokwaɗi kwaari nokwamuri; nokuti rima ropfuʋura, ciedza caɀokwaɗi cotovenekera. Uyo, unoti, ndiri muciedza, aciʋeŋga hama yake, uciri murima kuȿikira ɀino. Unoɗa hama yake, unogara muciedza, hapanecigumbuso maari. Asi unoʋeŋga hama yake, uri murima, unofamba murima haaziʋi kwaanoenda, nokuti rima rakapofumadza meso ake. Ndinokunyorerai, ʋana ʋaɗuku, nokuti makakaŋganwirwa ɀiʋi nokuɗa kwezita rake.

Verenga chikamu I Johane 2