1
Mariko 10:45
KoreKore Bible Translation
KBT
Nokuti naiyewo Mwanakomana woMunhu haanai kuuya kudzoshumihwa asi kudzoshumira nokupasa upenyu hwache kuti ruve rudzikinuro rovazinji.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mariko 10:27
Zvino Jesu adovanangara ndokuti, “Kuvanhu, zvinokwanisikaba, asi naMwari zvinokwanisika.”
3
Mariko 10:52
Jesu adoti kwaari, “Kutenda kwako kwakuporesa, chienda.” Kabodzi nokabodzi adoona, ndokumutevera munziramo.
4
Mariko 10:9
Saka chabatanidziwa naMwari mbaparege kudzova nomunhu anochikwachanura.”
5
Mariko 10:21
Ipopo Jesu adomunangara achibva wamuda, ndokuti kwaari, “Wasarihwa nochibodzi, enda wotengesa zvaunazvo zvese, wopasa varombo, ipopo unenge wava nopfuma kudenga, wouya wonditevera.”
6
Mariko 10:51
Jesu adoti kwaari, “Chii chaunoda kuti ndikuitire?” Rombe ridoti, “Mudzidzisi ndinoda kuti ndione.”
7
Mariko 10:43
Manje izvozvo ndizvoba zvazvinofanira kuva pakati penyu, wese achava mukuru pakati penyu anofanira kushandira abiyache.
8
Mariko 10:15
Ndinokuudzai chokwadi, wese asingatambire umambo hwaMwari semwana mudiki, anopindaba mahuri.
9
Mariko 10:31
Asi vazinji vari vokuthanga vachava vokupedzisira, novokupedzisira vachava vokuthanga.”
10
Mariko 10:6-8
Asi kubva pakusikiwa, Mwari adovaita murume nomukadzi. Nochikonzero chakarecho murume achasiya baba vache namaache (anamatirane nomukadzi wache). Vairi vakarevo vachava nyama ibodzi. Saka vanenge vachiriba vairi asi nyama ibodzi.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo