1
Mateo 21:22
KoreKore Bible Translation
KBT
Futi chese chamunokumbira nomunamato, muno chitambira, kana muno kutenda.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mateo 21:21
Jesu adovapindura achiti, “Chokwadi ndinoti kwamuri, kana muno kutenda pasinai kana kutsakidza, maipereraba kundoita zvaitiwa pamukuyu, asi kana mukati kugomo iri, ‘Dzupuka uwire mugungwa,’ zvinoitika.
3
Mateo 21:9
Vazinji vaitekaira pamberi novaitevera mumasure mache vadodaidzira vachiti, “Hozana kuMwanakomana waDhavhiti! Adokomborehwa iye anouya muzita raIshe! Hozana kumusorosoro!”
4
Mateo 21:13
Adoti kwavari, “Kudonyohwa kuti, ‘Imba yangu ichadaidziwa kuti imba yokunamatira,’ asi imipa maiita bako romakororo.”
5
Mateo 21:5
“Nyairirai mwanasikana woZioni, Nangara, mambo wako ari kuuya kwauri, nokuzvininipisa, adogadha kaburu, iko kamwana koburu.”
6
Mateo 21:42
Jesu adoti kwavari, “Hamunai kuverenga mumagwaro nai? ‘Mhanda idorambiwa novavakhi ndiyo idodzova nyakatenga. Uku kwanga kuri kuita kwaIshe, futi kunoshamisa mumeso yedu!’
7
Mateo 21:43
Saka ndinokunyepai, umambo hwokudenga huchabisiwa kwamuri huchipasiwa rimwe rudzi runouyisa michero yacho.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo