1
Mateo 15:18-19
KoreKore Bible Translation
KBT
Asi chinobirika mukamwa chinobva mumwoyo, chakarecho ndicho chinosvipisa munhu. Ndava mumwoyo munobirika pfungwa dzidoipa, kuponda, zvivi zvopabonde, upombwe, uhure, kuba, kupupura mabhwodo, kunyeya.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mateo 15:11
hapanai chinopinda mukamwa chinosvipisa munhu, asi chinobirika mukamwa, chakarecho ndicho chinosvipisa munhu.”
3
Mateo 15:8-9
Vanhu ava vanondikudza nomiromo yavo, asi mwoyo wavo uri kurefu nainini, hapanai zvokuti vanondinamata, dzidziso dzavo mitemo yovanhu.’”
4
Mateo 15:28
Ipopo Jesu adomupindura achiti, “Amai imi, kutenda kwenyu nghukuru! itihwai zvamurikuda.” Mwanasikana wache adobva waporerafuti nguwa yakareyo.
5
Mateo 15:25-27
Asi iye adouya ndokupfugama pamberi pache achiti, “Ishe, ndibatsirei.” Adopindura achiti, “Hazvinai kufanira kutora chikafu chovana uchichikandira imbwa.” Iye adoti, “Inde, Ishe, kana noimbwa dzinojawo zvinombwera pasi potafura yaatenzi vadzene.”
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo