1
Ruka 13:24
KoreKore Bible Translation
KBT
“Patikidzai kupinda nopamusuwo udosvanika, ndava ndinokunyepai kuti vazinji, vachatsvaga kupinda asi vachakonaba.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ruka 13:11-12
Panga pano mukadzi wanga anomweya wohodza kwomakore gumi nomasere, wanga adotumbamisiwa nawo asingagone kuzvitwasura. Jesu paadomuona adomudaidza ndokuti kwaari, “Mukadzi, wasununguhwa pahodza yako.”
3
Ruka 13:13
Adobva waisa manja pamusoro pache, nokamangu adotwasanuka, ndokubva warumbidza Mwari.
4
Ruka 13:30
Uye, vamwe vari vokupedzisira ndivo vachava vokuthanga, novokuthanga vachazova vokupedzisira.”
5
Ruka 13:25
Kana mwenekachiro woimba wasumuka kuzarira sasa, imipa muchathanga kumira panze muchigugudza pamusuwo muchiti, ‘Ishe, tizururireiwo.’ Achakupindurai achiti, ‘Handizivi kwamunobva.’
6
Ruka 13:5
Ndinokuudzai, Neye, asi kana musingapinduki muchaparadziwawo daro.”
7
Ruka 13:27
Asi iye achati, ‘Ndinokunyepai kuti handizive kwamunobva. Birikai pano mese, vakaremi vaiti vozvidoipa!’
8
Ruka 13:18-19
Saka adoti, “Umambo hwaMwari hudofanana nei? Ndingahuenzanise nochii? Hudofanana nombeu yomasitadhi inotohwa nomunhu achiijara mudimba mache, idokura ukava muti, uye tushiri tomudenga tudoita usanza mumathai yawene.”
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo