1
Jakobho 2:17
KoreKore Bible Translation
KBT
Ndizvo zvidoita kutenda kwega kwega kusinai zviito, kudopfa.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Jakobho 2:26
Sezvidoita muviri kana usinai mweya udopfa, nokutendawo kusinai zviito kudopfa.
3
Jakobho 2:14
Zvinokabonyo kei, hama dzangu, kana munhu achiti ano kutenda asinai zviito? Kutenda kwacheko kungamuchidze nai?
4
Jakobho 2:19
Iwewe unotenda kuti kuna Mwari mubodzi. Zvidonaka! Kana mashave yanotendawo zvakarezvo yachitogwagwadza nokucha.
5
Jakobho 2:18
Asi umwe angati, “Uno kutenda, inini ndino zviito.” Ndinangidze kutenda kwako kusinai zviito, inini ndikunangidze kutenda kwangu kuburikidza nozvandinoita.
6
Jakobho 2:13
ndava mutongo usinai tsitsi uchanangidziwa kuno wese wanga asinai tsitsi. Tsitsi dzinokurira mutongo.
7
Jakobho 2:24
Maona kuti munhu anoruramisiwa nozvaanoita aikona nokutenda kwegakwega.
8
Jakobho 2:22
Waona kuti kutenda kwache nozviito zvaishanda pabodzi, uye kuti kutenda kwache kudokwanisiwa nozvaadoita.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo