Mweya adoti kuna Firipi, “Nyedza papfupi nongoro urambe uri papfupi nayo.” Saka Firipi adomhanyira kungoro ndokumunzva murume uye achiverenga muporofiti Isaya. Firipi adomubvunza achiti, “Ko uri kunzvitsitsa chere zvauri kuverengazvo?”
Iye adoti adoti kuna Firipi, “Anga ndinganzvitsitse tini pasinai anondirairira?” Saka adobva wakoka Firipi kuti akwire agare naye.