1
Mabasa yoNhumwa 4:12
KoreKore Bible Translation
KBT
Uye hapanai ruponiso kunoumwe, nokuti hapanai rimwe zita pasi podenga ridopasiwa pakati povanhu, ratingaponesewe naro.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mabasa yoNhumwa 4:31
Zvino vadoti vanyengetera, nzvimbo yavanga vadoungana pabodzi idogwetera, uye vese vadozaziwa naMweya Mutsvene, ndokunyaira shoko raMwari nochivindi.
3
Mabasa yoNhumwa 4:29
Zvino, Ishe, nangarai kutsindikira kwavo, batsirai varanda venyu kuti vanyaire shoko renyu vano ushingi hwese.
4
Mabasa yoNhumwa 4:11
Rakareri ndiro ‘ribwe ridorambiwa naimimi vavakhi, asi ridodzova musoro wokhona.’
5
Mabasa yoNhumwa 4:13
Zvino pavadoona zvivindi zvaPita naJohwani, vachiona kuti vanga vasinai kudzidza, vari vanhuwo zvavo, vadoshamisiwa nazvo, vadobva vaziva kuti vanga vanaJesu.
6
Mabasa yoNhumwa 4:32
Zvino gurusvusvu rovanotenda vanga vanomwoyo nomweya mubodzi, panga pasinai waiti chinhu chaanacho nyhache wega, asi zvinhu zvese vadoti nzvavo vese.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo