Zvino akauya, akamupfugamira, akati, “Ishe, dondibatsirai henyu.”
Akapindura, akati, “Hazvina kunaka kutora chingwa chavana, ndokuchikandira mbwanana.”
Akati, “Hongu, Ishe, kunyangwe nembwananawo dzinodya zvimedu zvinodonha patafura ravatenzi vadzo.”