Akataura navana VaIsiraeri, akati, “Kana vana venyu vachizobvunza madzibaba avo panguva inouya, vachiti, ‘Mabwe awa anoti kudiniko?’ Imi munofanira kuzivisa vana venyu, muchiti, ‘Isiraeri vakayambuka Jodhani urwu vachitsika pasi pakaoma.’ Nokuti Jehovha Mwari akapwisa mvura yaJodhani pamberi penyu, kusvikira mayambuka, sezvaakaita iye Jehovha Mwari wenyu paGungwa Dzvuku, raakapwisa pamberi pedu, kusvikira tayambuka