1
Ekisodho 24:17-18
Shona BIBLE
SUB
Kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navana VaIsiraeri kwakaita somoto unopisa kwazvo, uri pamusoro wegomo. Mosesi akapinda mukati megore, akakwira mugomo; Mosesi akagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ekisodho 24:16
Kubwinya kwaJehovha kukagara pagomo reSinai, gore rikarifukidza mazuva matanhatu; nezuva rechinomwe akadana Mosesi ari mukati megore.
3
Ekisodho 24:12
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Kwira kwandiri muno mugomo, ugarepo; ndichakupa mahwendefa amabwe ane murairo nomurau wandanyora, kuti uvadzidzise.”