Ipapo Amosi akapindura, akati kuna Amaziya, “Ini ndakanga ndisi muporofita, ndakanga ndisi mwanakomana womuporofita; asi ndakanga ndiri mufudzi nomurimi wemionde, Jehovha akanditora ndichitevera makwai, Jehovha akati kwandiri, ‘Enda, undoporofita kuvanhu vangu VaIsiraeri.’