1
Mateo 11:28
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
“Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mateo 11:29
Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu.
3
Mateo 11:30
Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka.”
4
Mateo 11:27
“Zvinhu zvose zvakapiwa kwandiri naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba, uye hakuna anoziva Baba kunze kwoMwanakomana naavo chete Mwanakomana vaanenge asarudza kuti avazarurire.
5
Mateo 11:4-5
Jesu akavapindura achiti, “Dzokerai mundoudza Johani zvamuri kunzwa nezvamuri kuona: Mapofu ava kuona, zvirema zvava kufamba, vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzonzwa, vakafa vari kumutswa, uye kuti nhau dzakanaka dziri kuparidzirwa varombo.
6
Mateo 11:15
Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.