1
Ezekieri 36:26
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Ndichakupai mwoyo mutsva nokuisa mweya mutsva mukati menyu, ndichabvisa mwoyo webwe mamuri ndigoisa mwoyo wenyama mukati menyu.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ezekieri 36:27
Uye ndichaisa Mweya wangu mukati menyu uye ndichakuitai kuti mutevere mitemo yangu mugochenjerera kuchengeta mirayiro yangu.
3
Ezekieri 36:25
Ndichasasa mvura yakachena pamusoro penyu, uye muchava vakachena, ndichakunatsai patsvina yenyu yose napazvifananidzo zvenyu.
4
Ezekieri 36:28
Muchagara munyika yandakapa madzitateguru enyu; imi muchava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wenyu.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo