1
2 Madzimambo 6:17
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Ipapo Erisha akanyengetera akati, “Haiwa Jehovha, svinudzai meso ake kuti aone.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso omuranda, iye ndokutarisa akaona zvikomo zvakazara namabhiza nengoro dzomoto zvakakomba Erisha.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
2 Madzimambo 6:16
Muprofita akapindura akati, “Usatya. Vari kwatiri vazhinji kupfuura vari kwavari.”
3
2 Madzimambo 6:15
Muranda womunhu waMwari akati amuka mangwanani aitevera, akabuda panze akaona hondo namabhiza nengoro zvakomba guta. Muranda wake akati, “Haiwa, ishe wangu, tichaita seiko?”
4
2 Madzimambo 6:18
Vavengi pavakaburuka kwaari, Erisha akanyengetera kuna Jehovha akati, “Pofumadzai vanhu ava.” Naizvozvo akavapofumadza sezvakanga zvakumbirwa naErisha.
5
2 Madzimambo 6:6
Munhu waMwari akati, “Rawira napapi?” Akati amuratidza nzvimbo yacho, Erisha akatema rutanda akarukandirapo, uye akapapamadza musoro wedemo.
6
2 Madzimambo 6:5
Asi mumwe akati achiri kutema muti, musoro wedemo wakasvotoka ukawira mumvura. Akadanidzira akati, “Haiwa, ishe wangu, rakanga rakweretwa!”
7
2 Madzimambo 6:7
Akati, “Ribudise.” Ipapo murume akatambanudza ruoko rwake akaritora.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo