1
Nziyo 1:1-2
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Akakomborerwa munhu asingafambi panorangana vakaipa. Kana kuva munzira yavatadzi, kana kugara panogara vanonyomba, asi kuti anotofarira mutemo waTENZI uye anorangaririra mutemo waTENZI siku nesikati.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Nziyo 1:3
Akaita somuti wakasimwa pamahombekombe erwizi unobereka muchero wawo panguva yawo uri muti usingauni mashizha. Zvose zvaanoita zvinobudirira.
3
Nziyo 1:6
Nokuti TENZI ane hanya nenzira yavakarurama asi nzira yavakaipa ichaparara.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo