1
Tsumo 10:22
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Chikomborero chaTenzi chinopfumisa, hapana kushanda kunohupamhidzira.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Tsumo 10:19
Munhu anowanza twokutaura kukanganisa hakushaike asi anozvibata pakutaura akachenjera.
3
Tsumo 10:12
Ruvengo runomutsa gakava, asi rudo runofukidza zvikanganiso zvose.
4
Tsumo 10:4
Kugara maoko kunounza urombo asi kugwinyisa maoko kunopfumisa.
5
Tsumo 10:17
Anochengeta zvidzidziso ari munzira inoenda kuupenyu asi anoramba kutsiurwa anorasika.
6
Tsumo 10:9
Anofamba muchokwadi haana chinomuwana asi anofamba zvisizvo achawanikidzwa.
7
Tsumo 10:27
Kutya Mwari kunorebesa upenyu asi makore omuipi achapfupikiswa.
8
Tsumo 10:3
Tenzi haaregi mururami achifa nenzara asi zvinosuwirwa navakaipa anozviisa rutivi.
9
Tsumo 10:25
Kana chamupupuri chikapfuura muipi panosara pasisina asi mururami akadzika midzi nokusingaperi.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo