1
Mateu 27:46
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Neawa inenge yechitatu masikati Jesu akadaidzira nezwi guru achiti, “Eri Eri rama sabhakitani” zvinoreva kuti, “Mwari wangu Mwari wangu mandisiireiko.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mateu 27:51-52
Hero jira romuTemberi rokudzikatirisa rakabva rabvaruka napakati kubvira kumusoro kusvika pasi. Nyika yakandengendeka; matombo akatsemuka. Makuva akazaruka. Vanhu vazhinji vakafa vatsvene vakamutswa.
3
Mateu 27:50
Jesu akadaidzira zvakare nezwi guru ndokubva afa.
4
Mateu 27:54
Mutungamiriri wezana ramasoja navaakanga ainavo vachichengetedza Jesu, vakaona kundengendeka nezvakanga zvaitika vakabatwa nokutya kukuru vakati, “Zvechokwadi uyu anga ari Mwanakomana waMwari.”
5
Mateu 27:45
Kubvira paawa yegumi nechipiri, masikati nyika yose yakati rima tiba kusvikira paawa yechitatu masikati.
6
Mateu 27:22-23
Pirato akati kwavari, “Ko ndoitei naJesu anonzi Kristu?” Vose vakati, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato akati, “Nemhaka yei? Akapara mhosva yei? Akatadzei?” Asi vakabva vatonyanya kudaidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa.”
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo