1
Jeremiya 29:11
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
nokuti ini ndinoziva zvandakakurongerai, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Zvirongwa zvacho ndezvokuti zvinhu zvikunakirei kwete kuti zvikuipirei, kuri kukupai upenyu muneramangwana hune chitarisiro.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Jeremiya 29:13
Muchanditsvaka mugondiwana kana manditsvaka nemwoyo wose.
3
Jeremiya 29:12
Ipapo muchazochema kwandiri muchiuya kuzondinamata, ini ndichakunzwai.
4
Jeremiya 29:14
Muchandiwana ndizvo zviri kutaura Tenzi ndigokudzoserai makomborero enyu ndigokukokorodzai kumarudzi ose nokunzvimbo dzose kwandakudzingirai ndichikudzoserai kwandakambokubvisai pandakakuendesai kuutapwa, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
5
Jeremiya 29:10
“Nokuti zvanzi naTenzi, kana Bhabhironi yapedza makore makumi manomwe, ndichazokushanyirai ndigokuitirai zvandavimbisa ndigokudzoserai kunzvimbo ino
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo