1
Ezekieri 36:26
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Ndichakupai mwoyo mutsva ndigoisa mamuri mweya mutsva. Ndichabvisawo mamuri mwoyo wedombo ndichikupai mwoyo wenyama.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ezekieri 36:27
Ndichaisa mweya wangu mamuri, ndigoita kuti mutevere mirawo yangu nokuchengeta zvirewo zvangu.
3
Ezekieri 36:25
Ndichakusasai mvura yakachena muchibva machenurwa kun'ora kwenyu kwose. Ndichakuchenurai kuzvifananidzo zvenyu zvokunamata.
4
Ezekieri 36:28
Muchagara munyika yandakapa kumadzibaba enyu, muchava vanhu vangu ini ndichava Mwari wenyu.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo