1
2 Vatesaronika 2:3
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Ngaparege kuva nomunhu anokunyengedzai nenzira ipi zvayo nokuti zuva iroro harisikuzouya kupanduka kusati kwatanga kuuya uye munhu asina mutemo uya akatemerwa kuraswa atoratidzwa pachena
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
2 Vatesaronika 2:13
Isu tinosungirwa kutenda Mwari pamusana penyu, hama dzangu vadiwa vaTenzi nokuti Mwari akakusarudzai kubvira pakutanga kuti muponeswe nokuitwa vatsvene naMweya nokutenda muchokwadi.
3
2 Vatesaronika 2:4
uya anozvikudza achirwisana nechose chinonzi mwari kana chipi zvacho chinonamatwa atoita chigaro chake mutemberi yaMwari.
4
2 Vatesaronika 2:16-17
Zvino Tenzi wedu Jesu Kristu pachake naMwari Baba vedu vakatida vakatipa kunyaradzwa kusina mugumo nechitarisiro chakanaka nenyasha ngaakunyaradzei mwoyo yenyu aisimbise mumashoko nomumabasa ose akanaka.
5
2 Vatesaronika 2:11
Naizvozvo Mwari anovatumira zvinovabata kumeso kuti vatende zvenhema
6
2 Vatesaronika 2:9-10
Kuuya kouya asina mutemo kunoonekwa nomubasa raSatani anoshandisa simba nezviratidzo nezvishamiso zvokunyepera nouipi hwose hokunyengedza varikundoparadzwa nokuti vanoramba kuda chokwadi uye vanoramba kuponeswa.
7
2 Vatesaronika 2:7
nokuti chakavanzika chiya chisina mutemo chavakutoshanda asi uyo arikumbodzivirira–dzivirira achamboita kusvikira abviswa.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo