1
Isaya 35:10
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBD
vakaponeswa ivavo vaTenzi, vachadzokera vagouya kuZioni vachiimba, pamusoro apa, vakadzika sendaza rufaro runogara narini wose Vachawana kupembera nokufara, kusuwa nokudemba zvichati ware kutiza.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Isaya 35:3-4
Simbisai maoko akaregedzera musimbise mabvi akarengwendeka. Itii kune vane mwoyo unotya, “Simbai mwoyo, regai kutya. Tarirai muone, Mwari wenyu ari kuuya kuzotsividza nokutsividza kwaMwari, achizogadziridza zvamakakanganisirwa, achauya okununurai.”
3
Isaya 35:8
Imomo muchava nomugwagwa mukuru uchanzi, “Mugwagwa Unoera.” Vakan'ora havafambi nawo. Hakuna benzi richafamba nawo kundorasisa vanenge vatsaukira kwairi. Kunyange mapenzi avanhu chaiwo haamborasika zvawo imomo.
4
Isaya 35:5
Maziso amapofu achasvinudzwa, nzeve dzamatsi dzichivhurwa.
5
Isaya 35:6
Ipapo mheta makumbo dzichachirika semhene, rurimi rwechimumumu ruchaimba norufaro nokuti murenje muchaita mafashamo emvura, mugwenga muchaita tukova twemvura.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo