1
Ezira 9:9
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBD
nokuti tanga tiri varanda asi Mwari wedu hamuna kutisiya tiri varanda kudaro. Asi makaratidza mwoyochena wenyu kwatiri pamberi pemadzimambo ePezhiya mukatimutsurudza mwoyo kuti timise imba yaMwari wedu nokuvakiridza matongo ayo mukaita sorusvingo kwatiri muJudhea nomuJerusaremu.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Ezira 9:15
Imi Tenzi, Mwari weIsiraeri, imi makarurama nokuti takatosiyirwawo chitsama chevanhu vakasara chakatopunyuka sezvazviri nhasi. Hezvika takadai kuva pamuri kunyange pasina angagone kumira pamuri tiine mhosva pamusana paizvozvi.”