1
Mariko 6:31
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBC
Ipapo iye akati kwavari, “Chiuyai imi muri moga tiende kunzvimbo isina vanhu mumbozorora.” Nokuti vanhu vazhinji vakarambouya nokuenda zvokuti vakanga vachishaiswa kunyange nenguva yokudya.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mariko 6:4
Jesu ndokuti kwavari, “Hakuna kwaasingaremekedzwi muporofita kusara kwomudunhu rokwake, nomukati mehama dzake nomukati mevemba yake.”
3
Mariko 6:34
Kuzoti Jesu asvikako akaona kuwanda kwavanhu ndokubva avanzwira tsitsi nokuti vakanga vakaita sehwai dzisina mufudzi, ndokutanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji.
4
Mariko 6:5-6
Haana kuzogona kuita kana nechishamiso zvacho ikoko; akangoisa maoko ake pamisoro yavarwere vashomanana akavaporesa. Akashamiswa kwazvo nokusadavira kwavo. Akapota nemisha achidzidzisa.
5
Mariko 6:41-43
Zvino akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri akatarisa kudenga ndokukomborera akamedura zvingwa zviya ozvipa kuvadzidzi kuti vape vanhu. Akavagoverawo vose hove dziya mbiri. Vose vakadya; vakaguta. Vakaunganidza zvimedu zvakasara zvezvingwa nezvehove zvikazadza matengu gumi namaviri.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo