1
Mika 3:8
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
SUB1949
Asi kana ndiri’ni, ndizere nesimba pamŋe cete noMŋeya waJehova, nokutoŋga nokutsuŋga, kuti ndiparidzire Jakobo kuɗarika kwaʋo, ʋuye Israeri ɀiʋi ɀaʋo.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mika 3:11
Ʋakuru ʋaro ʋanotamba mhaka kuti ʋapiwe ɀipo, ʋaprista ʋaro ʋanodzidzisa kuti ʋapiwe muɓairo, ʋaprofita ʋaro ʋanoʋuka kuti ʋapiwe mari; kunyaŋge ɀakaɗaro ʋanosendamira kunaJehova, ʋaciti: Ko Jehova haazi pakati peɗu here? Hatiŋgawirwi neɀakaipa.
3
Mika 3:4
Ipapo ʋacaɗana kunaJehova, asi haaŋgaʋapinduri; ɀirokwaɀo ucaʋaʋanzira ciso cake neŋguʋa iyo, nokuɗa kweɀakaipa ɀaʋakaita pamaɓasa aʋo.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo