Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neMateo 26

Nyaya yeIsita
Mazuva Manomwe
Ungashandisa sei mazuva evhiki rako rekupedzisira kurarama uchinyatsoziva kuti ndiro rekupedzisira?Vhiki rekupedzisira raJesu ari panyama rakange rakazara nezviitiko zvisingakanganwiki,uporofita hwakazadziswa,kunamata kwakadzama,kukurukurirana kwakadzama,zviitiko zvaireva zvakawanda huye zviitiko zvakashandura nyika.Yakagadzirirwa kutanga Muvhuro pamberi peIsita,zuva rega-rega rehupenyu hwako.Chirongwa cheKereke yeBhaibheri chichakutungamira panyaya yevhiki rehutsvene.

Evhangeri yaMateo
28 Mazuva
Muchitsauko chino mune urongwa hwezuva nezuva kuburikidza neEvhangeri yaMateo, uchasangana naMambo Jesu: kuzadzikiswa kwechiporofita cheTesitamende Yekare, uye tariro yenyika yose. Ona kuti ungapinda sei muUmambo hwaMwari, wowedzera sei Umambo hwaMwari munyika yose, uye wowana Umambo hwaMwari, kuburikidza nenhoroondo yaMateu yedzidziso, zvishamiso, rufu uye kumutswa kwaJesu. Chirongwa chino chakagadzirwa neYouVersion

Mavhangeri
Mazuva makumi matatu
Ichi chirongwa, chakagadzirwa uye unochipiwa nevanhu veYeVersion.com, chichakubatsira kuti uverenge mabhuku eVhangeri ose ari mana mumazuva makumi matatu. Nyatsonzwisisa zvehupenyu hwaJesu neushumiri hwake munguva pfupi.

Ngativerengei Bhaibheri Pamwe Chete (Kubvumbi)
Mazuva makumi matatu
Chidimbu cheina chezvidimbu gumi nembiri, chirongwa ichi chinotungamira misha kufamba neBhaibheri rese mumazuva mazana matatu nemakumi nhanhatu neshanu. Koka vamwe vabatanewo newe pese pawatanga chirongwa chitsva kutanga kwemwedzi wega-wega. Iyi mitserendende yezvirongwa inoshanda zvakanaka neBhaibheri rekuverengerwa-teerera munguva shoma inosvika mamineti makumi nembiri pazuva! Chidimbu chega-chega chinosanganisira zvitsauko zveTestamende Yekare neItsva, neMapisarema akaparadzirwa kwese. Chikamu cheina chine mabhuku anoti Mateo na Jobho.