Zvibayiro Zvipenyu Kuna MwariSample

Zvipei Miviri Yenyu
Kuziva Mwari ndiko kuda kwake paupenyu hwedu. Akazviratidza kwatiri muna Kristu Jesu. Ari matiri musimba remweya mutsvene. Kuda kwaMwari kwakazara ndiye Kristu: kusangana naye, kumuziva, kuzadzwa nemweya mutsvene, uye nekutendera kuti tishandurwe kuti tifanane naye.
Mukutarisa kuti nyasha dzaMwari dzakadururwa kuti tiponeswe, mhinduro yedu kunofanira kudaira nekuteerera kwaari nekutevera nzira dzeuyo akauya nenyasha. Semakristu tinofanira kunzwa kutsva pamoyo nekufarira izvo zvakaitwa naMwari. Tinofanira kuzvipa nemoyo wese kune uyo akatipa mwanakomana wake kwatiri. Kupa miviri yedu sechibairo chipenyu ndiyo nzira inoratidza kutenda kwedu pane zvatakaitirwa naMwari pamwechete nekutenda kunyasha dzaakatipa. Semutemo kuvaRevi waida kubayira chipiriso chakakwana, makristuwo anofanira kuzvipira nemoyo wese.
Kune avo vasina kuzvipira nemoyo yese kuna Mwari, vanoratidza kusagamuchira nyasha dzaMwari dzekupa mwanakomana wake kwatiri. Nekuda kwenyasha idzodzo, Mwari vakakwanisa kuti Jesu uyo akanga aripo nekusingaperi, afire zvivi zvedu, nokudaro upenyu hwedu upfupi tinofanira kuuisa kwaari. Zvinokwanisika chose kuti tiise upenyu hwedu kuna Mwari. Pfungwa dzedu dzinofanira kubatsirwa kuti tione kubata kwaMwari nekuratidzwa nzira dzakaruraama.
Munamato: Ndinouya kwamuri Ishe Mwari panguva ino ndichitenda nekuda kwenyasha dzenyu. Munyasha dzenyu, ndibatsirei kuti ndikwanise kupa muviri wangu sechibayiro chipenyu kuti ndigamuchirike pamberi penyu. Ndinokutendai nekuregererwa kwezvivi zvangu uye nechipo cheupenyu usingaperi. Ndinozvipa kwamuri kuti ndikwanise kuita mudziyo unokosha, muzita raJesu. Ameni.
Kuwedzera Kuverenga: 1 VaKorinde 10:1, Mateo 22: 37, Ruka 9:23
Scripture
About this Plan

VaRoma chitsauko 12 inotipa rugwaro runotaura nezvekurarama kwemukristu. Inokurudzira kushandurwa kwemunhu pakupiwa mufungo mutsva unobatsira kushandura raramo yemunhu. Inosimbisisa kukosha kwezvipo zvemweya nebasa ringaitwa nemumwe nemumwe mumuviri waKristu. Pamusoro pazvose, inosimudzira kukosha kwerudo, rudo runokomborera kunyange munguva yekutambudzwa, ruchitsvaga runyararo nerugare.
More
Related Plans

Who Am I, Really? Discovering the You God Had in Mind

Positive and Encouraging Thoughts for Women: A 5-Day Devotional From K-LOVE

Am I Really a Christian?

Reimagine Influence Through the Life of Lydia

Sharing Your Faith in the Workplace

Overcoming the Trap of Self-Pity

The Holy Spirit: God Among Us

Gospel-Based Conversations to Have With Your Preteen

16 Characteristics of the God-Kind of Love - 1 Corinthians 13:4-8
