Sarudzo dzine huMwariSample

Kuita Sarudzo
Kuita sarudzo kune chekuita nekuongorora mienzaniso yakasiyana kana zvinodiwa nemunhu; kuita sarudzo mukana wekutora chimwechete kubva panezvakawanda. Zuva nezuva tinoita sarudzo kubva pazvinhu zvidiki sekuti tichapfekei, tichadyei, mavara kusvika kune zvitaera, zvichingodaro kusvika kunyaya huru dzakaita sepokugara, kosi yekudzidza kuchikoro, kuroora ani kan kubata mari pakati pezvimwe. Sarudzo yese yatinoita ine mhedzisiro, kubva pane idiki isingaonekwe kusvika kune huru ine mhedzisiro yakakura muhupenyu hwedu neavo vakatitenderedza. Ndiri pakati pekumira paruzhowa kana ndatarisana nenyaya idzi, ndoita sarudzo sei pakuziva pekumira?
Chekutanga, mutendi muna Kristu anofanira kuvimba naMwari pakuita sarudzo. Mubhuku raZvirevo, tinorayirwa kuti tivimbe naJehovha uye tisatsamira pakunzwisisa kwedu pachedu uko kwakaganhurirwa muhukuru. Nguva zhinji takatarisana nesarudzo, tinoedza kuvimba neruzivo rwedu pachedu pakuita sarudzo yakanaka. Dzimwe nguva, tinotovimba kuti dzidzo yedu ichatibatsira pakusarudza. Hatizivi kuti ramangwana. Nokudaro tinofanira kushuvira kuvimba naMwari kuti atitungamirire. Chechipiri, tinofanira kutsvaga njere kubva kuna Mwari. Mwari haaburuki kubva kudenga kuti atiitire sarudzo, asi haatisiyi tisina nhungamiro pakuita sarudzo dzepasi rino. Patinenge tichiedza kuita sarudzo, tinogona kumukumbira kuti atishongedze nouchenjeri kuti tiite sarudzo dzakanaka nokuti anopa uchenjeri kakawanda kune vanomukumbira. Rangarira kuti Mwari havangotauri nesu zvakajeka pamaonero edu dzimwe nguva. Tinofanira kuva nechido chekunzwa kubva kwaAri kuburikidza nemharidzo nemabhuku echokwadi ane rutendo rwemweya. Kana tikazarurwa kuMweya, anotaura nesu nenzira dzakasiyana-siyana. Chinokosha, kutendeukira kumagwaro mukuita sarudzo zvoumwari ndizvo zvatinofanira kuita nguva dzose. Rugwaro rwose rwakanaka pakudzidza. Bhaibheri rinopa mazano anotibatsira kuita sarudzo dzakanaka zuva nezuva.
Pakupedzisira, tinofanira kudzidza kunamata pamusoro pezvinhu zvose. Dzimwe nguva tinotaura kuna Mwari chete nezve “zvinhu zvikuru” tofunga kuti zvimwe zvinhu zviduku. Anofarira zvose zvine chokuita nesu. Tinofanira kudzidza kunamata pamusoro pezviitwa zvatichange tichiita zuva rega rega, semashandisiro atingaita nguva yedu nematarenda, nzvimbo dzekuenda, zvekutaura kuhama yakatitadzira kana inoda kurudziro. Pamusoro pazvose, ngatidzidze kuvimba nekutungamira kweMweya Mutsvene nekuti Iye ndiye achatitungamirira muchokwadi chese. Uye avo vanotungamirirwa neMweya waMwari, ndivo vana vaMwari. Dai Ishe vatibatsira kuti tive vanakomana vechokwadi.
About this Plan

Zuva nezuva, tinosangana nesarudzo dzekuita uye dzinoratidza neimwe nzira mwero wekutenda kwedu uye kuvimba kwedu muna Mwari. Chii chinopesvedzera sarudzo dzatinoita zuva nezuva? Ndedzipi sarudzo dzinogona kutiswededza pedyo naMwari kana kutidzinga kure naye? Chii chinokosha pakuramba tichiita sarudzo dzokuchenjera, dzeuMwari? Vamwe vanhu vomuBhaibheri vakaita sarudzo dzaidiwa naMwari uye vamwe vakaita sarudzo dzisina kururama dzinodhura. Chidzidzo chino chinoda kupindura mibvunzo iyi uye kuongorora vamwe vevanhu vemuBhaibheri ava.
More
Related Plans

Who Am I, Really? Discovering the You God Had in Mind

Living Like Jesus in a Broken World

Sharing Your Faith in the Workplace

Positive and Encouraging Thoughts for Women: A 5-Day Devotional From K-LOVE

Gospel-Based Conversations to Have With Your Preteen

16 Characteristics of the God-Kind of Love - 1 Corinthians 13:4-8

The Holy Spirit: God Among Us

Am I Really a Christian?

Reimagine Influence Through the Life of Lydia
