Hunhu weuMwariSample

Ungaumba sei hunhu hweuMwari mauri
Dura mazwi rinotsanangudza hunhu sekuva netsika dzakanaka dzaunotedzera. Bhaibheri rinotidzidzisa nezve chiero chepamusoro chehunhu uye Jesu obva avamuenzaniso wacho. Vose vakazvipira kuteera Kristu vanokurudzirwa kuva nehunhu wakanaka hunobva pakuvimba naMwari uye kusawira pasi munguva yekuidzwa. Hunhu haugadzirike nehusiku umwechete, asi kuburikidza nezvatinosangana nazvo, kushaingaira nekudzidza kubva panezvatinenge taita nekukanganisa zvekare. Pauro anokurudzira Timotio kuti acherechedze zvaanoita zvinomuunzira huMwari. Zvinoreva kuti hunhu hweuMwari zvinhu zvakanaka zvinoratidza huMwari.
Pauro aiziva kuti hunhu hweuMwarihunouyaapo munhu anodzivisa kufurirwa nezvakaipa asi nekutarisa pahumambo hwaMwari nekururama kwake. Magwaro anotidzidzisa Ruponeso rwedu runoda kuti tirambe tiine kutenda, takadzika midzi tisingazungunutswe patariro yatinayo muivhangeri. Dzimwe nzira dzinotibatsira kukura muhunhu wehuMwari dzinosanganisira kuremekedza Mwari, kutsvaka Mwari nemoyo wose, kubereka zvibereko nekujekerwa pamusoro pehurongwa hwaMwari. Jesu Kristu anoda kuti tive vakarurama. Tinofanira kuzviona semaonero atinoitwa naMwari. Naizvozvo tinofanira kuzviona semuenzaniso wekurarama hupenyu hwuMwari tichizivazve kuti tinoshuvira rubetsero rwake kuti tifanane naye Kristu.
About this Plan

Kuva nehunhu wehuMwari atizviite toga kana kuti kubhadharwa nekuda kwemabasa. Izvi zvinoitwa bedzi naMwari paanenge achitishanda kubva mumunhu wemukati. Iyi dzidziso yeunhu haichanyanyotaurwa nezvayo asi ine zvainoita zvakawanda muchiKristu chedu. Jesu akava muenzaniso wehupenyu uhu akakwanisa kuita kuti utapukire muvadzidzi. Izvi zvakaonekwa paakaenda kudenga kuti vanhu vakazoti vachiona vadzidzi vakavatumidza kuti ma Kristu nekuti vaiona unhu waKristu mavari. Chidzidzo chino chichabata nyaya iyi kwete muhudzamu hwayo.
More
Related Plans

Am I Really a Christian?

The Holy Spirit: God Among Us

Positive and Encouraging Thoughts for Women: A 5-Day Devotional From K-LOVE

Living Like Jesus in a Broken World

Overcoming the Trap of Self-Pity

Who Am I, Really? Discovering the You God Had in Mind

Reimagine Influence Through the Life of Lydia

Gospel-Based Conversations to Have With Your Preteen

16 Characteristics of the God-Kind of Love - 1 Corinthians 13:4-8
