Tsee: Kuona upenyu nomuono wokusingaperiSample

Zvibingamupinyi
Kugara muZimbabwe kune mubairo wekuva neVictoria Falls, chishamiso chepasi rose. Vanhu vanofamba kubva kwese kwese kuti vaone runako rwayo! Zvino, kunyangwe izvi zvichinyanyisa kunakidza kuona, kazhinji muupenyu tinogona kuedza kuwana kugutsikana uye kukosha nokuramba tichitevera chimwezve chinounza mufaro wepamusoro, nyaya yacho yozova hari yegoridhe iri kumagumo emurarabungu, yatisingambozosvikiri.
Zvakakosha kuziva kuti shambadzo imwe neimwe zvayo inotiita kuti titarisise pazvinhu zvepasi pano. Kubudirira, kugara zvakanaka, zviwanikwa, kuchengetedzwa, ramangwana revana vedu (kana tinavo), nezvimwe zvakawanda. Izvi hazvisi zvinhu zvakashata, asi kana zvikatora nzvimbo yepamusoro paKristu neHumambo hwake, hatizogoni kuwana chinangwa, mufaro uye simba ratakasikirwa naMwari. Tinofanira kugara takangwarira nokuti muvengi achashandisa chero chaanogona kutitsausa pane zvakanyanya kukosha.
Muna Mateo 13, tinowana mufananidzo womukushi. Jesu vakatsanangura kuti minzwa inodzivirira kukura kwedu paMweya uye simba muupenyu hwedu (Mateo 13:22). Inopinda muupenyu hwedu sezvinhu zvinodiwa zvenyika nokunyengera kwepfuma. Zvinodiwa zvenyika ino chinhu chipi nechipi zvacho chatinoda zvokuti tinofunga kuti Hapana upenyu kana ichi chinhu ichi chisipo. Kunyengedza kwepfuma kutenda kuti upfumi hwedu hunogona kutipa zvinhu izvo Mwari voga vanogona kutipa.
NaSoromoni, murume wenjere zhinji, akatambudzika nezvinotsausa izvi. Hatizive hedu zvose maererano nomuzinda wake, asi chinoshamisa ndechekuti zvakamutorera nguva inopetwa kaviri kuvaka imba yake panguva yaakatora kuvaka imba yaMwari (1 Madzimambo 6 uye 1 Madzimambo 7:1). Izvi zvinogona kuitika muupenyu hwedu. Tine hanya naJesu, uye tinoda kuti ave muupenyu hwedu, asi haatori chigaro chakakosha. Zvinosuwisa kuti izvozvo zvinokonzera kurasikirwa noupenyu hwakazara hwakavimbiswa naJesu (Johane 10:10).
Kudzamisa Pfungwa: Pari zvino ndepapi pauri kutsauswa?
Ishe vanodikanwa. Ndinokutendai kuti hakuna chinhu chakakosha kudarika kuraramira imi neHumambo hwenyu. Ndokumbirawo mundiratidze zvimhingamupinyi zvinondibata parizvino uye ndibatsirei kuti ndikuitei wekutanga pazvose zvangu. Muzita renyu rine simba, ndanamata, Ameni.
Scripture
About this Plan

Nerimwe zuva zvose zvichasara zvoupenyu hwedu uchava mutsetse (tsee) pakati pokuzvarwa kwedu norufu. Tingaunzira Kristu mutsauko wakakura munguva pfupi yatinayo pasi pano sei? Urongwa uhu hunokubatsira kutarisa hupenyu nomuono wokusingaperi, woziva zvibingamupinyi zviripo, uye wodzidza kuvakiridza chikamu chimwe nechimwe choupenyu hwako kuti ugorarama vavariro yako, ugova netariro, nomufaro zuva rimwe nerimwe. Muono unoshandura zvose!
More
Related Plans

Living Like Jesus in a Broken World

Don’t Know What You’re Doing After Graduation? Good.

UNPACK This...Being a Good Teammate in Life

Positive and Encouraging Thoughts for Women: A 5-Day Devotional From K-LOVE

Seasons of Hardship: Live the Jesus Way

Reimagine Influence Through the Life of Lydia

16 Characteristics of the God-Kind of Love - 1 Corinthians 13:4-8

Overcoming the Trap of Self-Pity

Who Am I, Really? Discovering the You God Had in Mind
