Tsee: Kuona upenyu nomuono wokusingaperiSample

Rudo Rusingatsananguriki
Nekuda kwezvatakafamba nazvo mumazuva maviri apfuura aya, panogona kuva nokufunga kuti zvese zvatiri kuita panyika, neimwe nzira, zviri kutiwanisa nzvimbo kudenga. Asi izvi hazvisizvo zvachose!
Tarisa pana Pisarema 139:13-16 uye VaEfeso 2:8-10 . Shoko rinobwinya renyasha nderekuti Jesu akadzika pasi munyika yedu akabhadhara mutengo watisingambofa takakwanisa kubhadhara. Funga patsva ikozvino pamusoro pekushamisa kwechipo chaMwari chemahara cheruponeso kwauri. Hatiraramire Jesu kuti tiwane rudo rwake; tinomuraramira nokuti tatova nerudo rwake! Mufaro neropafadzo yakadini kuraramira mazuva edu kuna Baba Vekudenga vane rudo, vanodawo kutipa mubairo wekusingaperi wehupenyu hwatinorarama pano pasi hunokudzisa zita Ravo.
Zvimwe nhasi uri kunzwa kuti haukodzeri kugamuchira rudo rwaMwari kana kuti unofanira kurushandira kuti urupihwe. Ndinoda kuti uzive kuti anokuda nerudo runopfachukira. Kuti uwane imwe kurudziro, tora nguva shoma uverenge pamusoro peGwai Rakarasika, Mari Yakarasika, uye peMwanakomana Akarasika muna Ruka 15. Isa maziso ako patsva pana Mwari weNyasha anoshamisa, akakufira pamuchinjikwa uye ari kukugadzirira musha wokusingaperi kuti unakirwe nawo. Izvi ndizvo zvazvinoreva kana zvichinzi ‘kutarisisa maziso edu pane zvisingaonekwi”.
Kuburikidza nerudo rwaIshe kwatiri, zvino anotipa chinangwa, uye netariro yekusingaperi. Zvisingazikanwi zvakawanda muhupenyu hwedu, asi tinogona kuva nechivimbo chakakwana cherudo rwaBaba. Bvumira izvozvo kuti zvikuchidzire moto wemwoyo wako uye ugowana udzamu, ushingi, uye simba rokurarama hupenyu hwechiKristu.
Pokudzamisa pfungwa: Pachiyero chechikamu chimwe chete kubva mugumi (gumi richiva rakakwirira), unonzwa uchidiwa naMwari zvakadii?
Wadiwa Ishe Jesu. Ndinokutendai nerudo rwenyu kwandiri runoshamisa. Handirukodzeri, asi ndinotenda zvikuru.
About this Plan

Nerimwe zuva zvose zvichasara zvoupenyu hwedu uchava mutsetse (tsee) pakati pokuzvarwa kwedu norufu. Tingaunzira Kristu mutsauko wakakura munguva pfupi yatinayo pasi pano sei? Urongwa uhu hunokubatsira kutarisa hupenyu nomuono wokusingaperi, woziva zvibingamupinyi zviripo, uye wodzidza kuvakiridza chikamu chimwe nechimwe choupenyu hwako kuti ugorarama vavariro yako, ugova netariro, nomufaro zuva rimwe nerimwe. Muono unoshandura zvose!
More
Related Plans

Living Like Jesus in a Broken World

Don’t Know What You’re Doing After Graduation? Good.

UNPACK This...Being a Good Teammate in Life

Positive and Encouraging Thoughts for Women: A 5-Day Devotional From K-LOVE

Seasons of Hardship: Live the Jesus Way

Reimagine Influence Through the Life of Lydia

16 Characteristics of the God-Kind of Love - 1 Corinthians 13:4-8

Overcoming the Trap of Self-Pity

Who Am I, Really? Discovering the You God Had in Mind
